| musikana arikuita mutambo wejavelini β arikumhanya akabata museve waarikuda kuposhera β pane munhuwo arikuwokera uye kumukurudzira β musikana uyu akapfeka hembe yemanchester united nekabudura tema β |
| ndiro ine madora inoonekwa uyewo kuseri kune midziyo yakati wandei β inoratidza kuti inzvimbo yekubikira β |
| pakati pemugwagwa pane mtokari dziri kufamba ipapo kusanganisira bhazi rine pendi chena negirinhi β nechokurutivi kwemugwagwa kune muti murefu uyezve kune vanhu varikufamba ikoko β |
| uyu unoratidza kuti imba yemuturikidzwa yetruworths uye pane vanhu varikupindamo uye pane motokari mbiri dzirikufamba dzichienda β uyu mugwagwa unemarambi nemuti mumwe chete β |
| majuraworo rimwe riine musuwo werata uye uri mutema β mukati maro mune imba ine 'matiles' pamusoro uye nemiti ine mashizha egirini β |
| ihuku shanu dzakaiswa muchikafutera dzakaurawa dziri kuda kudyiwa β |
| sango rine huswa hwakaoma β rine miti ine mashizha akasvibira β kumberi kwemiti kunoonekwa gomo rine miti yakasvibira zvishomanene β |
| bhutsu imwechete yakagadzikwa pamusoro panzvimbo ineruvara rwebhuruu β iyo bhotsu ineruvara rutema netambo dzirikubudikira imwe yakarembera β kumashure yakanyorwa neruvara rweyero kunzi puma β pasi parikuoneka mumvuri wemba β |
| bhodhi rinoshambadza zvinotengeswa muchitoro β vanhu varikufamba nevamwe vakagara vari kutengesa maonyenzi nemadhiringi pamusoro petafura |
| mugwagwa wakagadzirwa netara β mujinga mawo kuma tivi ose kune miti mizhinji yakakomberedza β imwe yemiti iyi yakaoma β asΓ imwe ine mashizha ane ruvarara rwe girinhi β uye ine maruva ane ruvara rwe pepuru β |
| besanwa pakufamba β vana vechikoro vakapfeka hinifomu uye murume anofamba akatakura mugomo kutaridza kuenda kwaanoenda kundonotengesa kana kundohodha β makadhibhokisi aripo ane zvimwe zvitengeswa zvakaita sefodya uye pakakomberedzwa nerusvingo rwesimbi β |
| chingoro chiri kusundwa nemunhu β chine zvinhu zvirimo machiri zvinosangana nechikadhibhokisi chiri kuoneka β uyewo pamugwagwa wachiri kufambira pane zvimaburi zviripo zvinoratidza kuti mota kana ikafamba ichimhanya inogona kukuvadza mavhiri ayo β |
| shangu dzirimuchitoro pachipuranga chepingi β pazasi paneshangu nhema dzinetambo pamusoro dzichiteverwa neshangu dzegireyi dzinetambo chena pamusoro netumutsara tuneruvara rwebhuruu β ruchena nerutsvuku dzichiteverwa nedzimwe dzineruvara rutema dzisina tambo kuchipedzesera dzegireyi dzineruvara rusvuku nechepamhuno netambo dzepingi pamusoro β |
| nzvimbo iyi inzvimbo iripakati peguta reharare β vanhu vakamira varikuratidza kuti varikurara zvavo nyaya β varume vaviri nemukadzi mumwe chete β pane mabhazi uyezve motokari dzakamira mugwagwa umu β |
| vakadzi vatatu umwe akasenga hari inonzi chirongo mumusoro ine ruvara rwebrown neruvara rwegreen kumusoro β kuseri kwavo kumuti une mashizha ane ruvara rwegreen β vakadzi ava umwe akarukwa zvirukwa zvekutenga β umwe akagidzira bvudzi rake umwe akasunga dhuku β |
| nzvimbo inowanika muchegutu inodanwa nezita rokuti pazvindege β pane zvindege zviviri zviripo β zvindege izvi zvinoratidza kuti zvasakara β zvine ruvara ruchena neruva rwebhurawuni uye necheparutivi pane bhazi ririkufamba rine ruvara rweyero β |
| sofa reruvara rupfumbu rakasvibira rinoratidza kuti nderechizvinozvino sofa iri β remumba muneuriri huchena hwakanaka kwazvo β uye rakareba zvekuti rakabatanidzwa β rinoita semasofa maviri akabatanidzwa β |
| shiri mbiri dzakamhara padavi remuti β dzine maditi machena uye miromo mirefu β imwe yacho yakavatirira zvinoratidza kuti dziri kufara zvadzo β pamwewo dzingangodaro dziri murudo β |
| computer ine ruvara rutema uye ine mavara akanyorwa neruvara ruchena nerutsvuku β yakatsvetwa mukadhibhokisi rine ruvara rwekaki uye mune tambo nezvimwe zvinoiswa pacomputer zvine ruvara rutema β |
| mabhara mazhinji akagadzirwa nerata nesimbi ane ruvara rwakasiyana siyana rwunoti bhuruu β girini uye nebhurauni β kurutivi kwakamira motokari β |
| pane nzvimbo ine marara achitevedzeka β marara aya anosanganisira mapepa nezvimwe zvinhu zvakasakara β pedyo nemapepa aya pane tsanga dziripo kwozoti huswa hunyoro nehumwe hwakaoma β |
| pane mugwagwa unoratidza kuti unofambira motokari β mugwagwa uyu uri pakati pemiti uyezve padyo nomugwagwa uyu pane zidombo rakazvimiririra β kwozoitawo marara ari pedyo nomugwagwa uyu β |
| tsangadzi yakakura inoratidza kuti imwe yachona yakuto tumbuka β ine ruvara rwegirini koita imwe ine ruvara rwakachenerukira β neche parutivi panooneka ivhu rine ruvara rutema namatombo β |
| mumvuri unoratidza kuti pane munhu akamira uyezve kumativi kune motokari dzakapakwa β pamberi pane chitoro chiripo kana kuti chivakwa chiripo asi zvimwe zvese zvakavharwa kusara kwezviviri zvakavhurwa mukova β zviri kuratidza kuti uyezve ipapo ndopanokwirirwa bhazi nevanhu kana vachinge vabva kutenga zvinhu β nzvimbo iyi inoratidza kuti inobatsira chose vanhu vemunharawunda β |
| shiri mbiri dzirikubhuruka dziri mudenga pane imwe yakazvura mapapiro ayo chaizvo koita imwe yakamadembedza pasi β dziri mudenga mumakore chaimo nekuti denga ririkuoneka ruvara rwaro rwebhuruu uyewo shiri dzakanaka uyewo dzinovaraidza kuona β |
| maruva akamira akatsinhana zvekutoita sechikapeti β aneruvara rwegirini rwakanaka zvikuru β uyewo pamusoro pawo pane rimwe ruva rakadongorera rakatumbuka zvitsvuku β kunerumwe rutivi kune chinenge sora chakatumbukawo zvakanaka β |
| iyi ishangu ine mavara matatu akasiyana inopfekwa nevarume nevakadzi β ine ruvara rwebhuruu rwakadzikira neruvara rwakati bhaa rwebhuruu nepasi pachena β |
| bhazi re gold class jena β rine ruwara ruchena muviri wese nemitaro mitatu mutsvuku we girini nebhuruu β rikufamba mutara ririkuratidza kuti rakananga ku guta reharare β mudivi macho munoonekao muine zvidzimba munoonekao muine vanhu β |
| pane matombo akawanda akatsimbirirana β matombo aya ari pedyo nekamwe kanzira kanoita sekanofamba vanhu β pedyo nekanzira aka pane tumiti nehuswa β |
| pane mugwagwa unoita seuri kufamba bhazi β pane marara ari pedyo β marara aya ari pedyo zvakare nematombo β nechekure kune vanhu varikubudikira uye kune tangi remvura ririko β |
| vanhu vari kuratidza vari mukati menhandare iyo inoitwawo makwikwi ekumhanya β izvi zviri kuonekawo nemitaro inofanira kunge iri pane munhu ari kumhanya β vanhu ava vakapfekawo nhumbi dzinoita kuti vange vachigona kumhanya zvakanaka β |
| imba isati yava nedenga inotaridza kuti ichiri kuvakwa β jecha richiri rakaunganidzwa rakakomberedzwa nezvitinha kuti risapararire kwose β pane mutaro wemagetsi unoonekwa unopfuura nepamusoro peimba β |
| zvivakwa zvakasiyana siyana zvakakomberedzwa namajuraho β pamberi pezvivakwa izvi pano ratidzawo kuti pane mugwagwa unofamba dzimotokari dzichitakura vanhu kuenda kwakasiyana siyana β zvakare panewo miti uye dzimwe motokari dzakamira nevanhu varikufambawo vachienda kwakasiyana β |
| miti yegirinhi iri parutivi pemvura izvo zvinoita kuti igare ine hunyoro β mukati munenge mune zvinogara mumvura zvakasiyana zvakaita sehove nyoka β |
| muchini muchena uri pasi wakatsvetwa pane ruvara rutema une tambo chena β pane pepa riripo rine ruvara ruchena nemavara matema β pane simbi dzakapfurirwa mapepa repurasitiki β |
| dzimba dzakanaka dzakavakwa nemutoo wakada kufanana nezvidhinha zvakanaka zvisina kupurasitiwa kana kupendwa β paruvazhe pedzimba idzi pane bundo shanje inoratidza kuti hainyatsodiridzwa sezvo ichiratidza kuti haina utano β |
| midziyo inoshandiswa mumba yekubikira yakarongedzwa kuti itengeswe β pane chipunu chine ruvara rwesirivha chakamira chirikumberi kuseri kwacho kune mapanga akawanda anezvipakato zvemapuranga β uyewo mamwe ane ruvara rutsvuku mamwe ane ruvara rwebhuru mamwewo ane ruvara rwegirini β |
| nzvimbo inogona kuwanikwa muguta ine mugwagwa wakaiswa tara uyewo pane motokari dzakati wandei β mugwagwa wacho wakaiswa mwenje uye une zvikwangwari zvevanhu vanoshambadza zvinhu β kumberi kurikuonekwawo dzimba β kunewo miti yakareba irikutarisirwa β |
| dendere reshiri rakavakirwa mumuti womugwavha una mashizha mashoma shoma β |
| musango mune muti wemupangara muduku une minzwa dzakapinza uye twumashizha twudiki twegirini β pasi pane huswa hwakaoma β |
| furasiki yakakura kwazvo ine rudzi rutsvuku nemuvharo mutema iri kutengeswa muchitoro β |
| maruva akaiswa mumagaba aneruvara rwegirinhi nemadodzi-madodzi machena β maruva aya akawanda chaizvo uye arimumagaba aneruvara rwutema β mamwewo arimumagaba aneruvara rwunonjenjemera β |
| zvuma zvemuhuro zvakapfekedzwa pachidhori kuitira kuratidza vatengi β zveruvara zvesirivha zvinopfekwa nevanhurume kana vanhukadzi kuri kuda kutaridza mucheno wawo β |
| varume nevakomana vanoimba vamwe vanoridza hosho vamwe vanoridza ngoma β varidzi vengoma vakagara pazvigaro zvitatu vachiridza ngoma vakapfeka hembe dzine ruvara rutsvuku β |
| bhazi riri kufamba mumugwagwa β bhazi iri rinoratidza kuti nderecity link β rine ruvara ruchena β nechekumusoro rine mahwindo ane ruvara rutema β kumberi kwaro rine ruvara rutema neruvara ruchena β |
| nzvimbo iri kuonekawo iine miti pamwechete nesora β kozoitawo mapango akachererwa ayo akasungirirwa tambo dzinodarika nemagetsi β tambo idzi dzinenge dzichienda kudzimba dzevanhu muguta kana kune dzimwewo nzvimbo kunoda magetsi β |
| pombi dzinofambisa mvura β dhuramhi remvura riripamusoro pezvidhina β miti inemashizha eruvara rwegirinhi β fenzi yakakomberedza midhuri β |
| mugwagwa unetara β mumugwagwa umu mune motokari zhinji dzemhando dzakasiyana dzirikufambamo β kune rumwe rutivi kune murume arikuratidza kuti arikuita minana sezvo achifamba pamusoro pataira β nechekumberi kuri kubuda midhuri mikuru yakanaka chose β |
| dzimba zhinji dzimwe dzirikuratidza kuti dziri kuvakwa sezvo pane imwe inoratidza kuti ihuru isati yave nemikova nemafafitera uye haisati yarurwa denga β dzimwe dzinoratidza kuti zvimukuku zvakavakwa nemapuranga zvakapfirirwa nemazen'e β |
| murume ari kufamba mudhorobha β paanofamba panoratidza kuti pane madhaka β ari kufamba achiita zvekudanhuka β wakabereka bheke kumusana β mberi kwake kune vakabereka vana vamwe vakabereka mabheke β vamwe vari kutaridza kuti vari kutengesa zvinwiwa β |
| mudzimai wechidiki ari kuyambuka mugwagwa β kumusoro wakapfeka hembe chena β wakapendekera bheki dzvuku ridiki β kuzasi akapfeka hembe ine mavara machena nematema β kuma kumbo akapfeka gogo β |
| mota huru irikufamba munzira β ine ruvara rweyero uye yakakura zvikuru β ine kumasure kwekuti kunogona kusimudzika kuchirasa zvinhu kodzokera β zvinoita kuti inzi tipper β uyezve ine mavhiri akawanda zvikuru anosvika kugumi nemana β mavhiri aya makuru uye ane pakati pesirivheri β imota yakanaka inobatsira pakuita mabasa ekututunura zvinhu zvingade kutakurwa zvinorema β |
| nzvimbo ine dzimba dzakanatsovakwa dzakaita mudhandanda β mudhuri uyu wakavakwa wakareba kubvapaiswa magoni panze akaita mudhandanda β magoni aya aneruvara rwakachenerukira β |
| ruwoko rwemunhu rwakabata tochi imwechete itema kumusoro kwayo ndekwe bhurawuni uye yakabaka β |
| chibage chinyoro chakatsvetwa pasi β chinooneka kuti chinyoro nekuda kwemakanda aripasaidhi aneruvara rwegirinhi β tsanga dzachona dzineruvara rwuchena β pane tumatambo-tambo tunowanikwa pachibage turipo tuneruvara rwuchena zvakare β |
| michero mizhinji yerudzi rwepashoni β ine ruvara runoyevedza rwegoridhe uye mimwe mishoma une ruvara rwakatsvukira β umwe chete wakagurwa nepakati zvakaisvonaka uchiratidza mhodzi mukati nhema uye munyepfu weruvara rwegoridhe β |
| muchero wemauyu uri mukati mendiro yegirazi β muchero uyu une ruvara ruchena neshinda shinda dzine ruvara rutsvuku rwakachenerukira uyezve pane mukombe uripo wakazara chimwiwa chemuchero uyu negirazi rimwe chete zvakare β |
| mugwagwa unoratidza kuti une tara uye unofamba motokari zhinji β parutivi rwemugwagwa uyu pane zvimukuku zvakavakwa ipapo nezvinhu zvakatsvetwa β panoratidza kuti panogadzirwa mipfuku yemapuranga inotengeswa sezvo imwe yacho isati yatopedza kugadzirwa β |
| musoro mukuru wegonyeti wakamiswa pedyo nemba β une musoro muchena woitawo mavhiri makuru matema akavharwa nezvinhu pamusoro β uyewo une pamwe chena parikuoneka β wakamiswa pedyo nemba yakati kurei uyewo kurutivi kune karuzhowa kariko kapfupi β |
| murume arikufamba ari mujinga memudhuri pakati pedhorobha β murume uyu akapfeka nhumbi yokumusoro ineruvara rwe bhuruu nechikabudura chineruvara rutema β akabata zvidhori zvitatu zvihombe zvaari kutengesa β zvidhori izvi zvine ruvara rwe pingi β bhuruu uye ruvara rutsvuku β |
| nzvimbo ine zvivakwa zvomudhadha nezvimwe zvomudurikidzwa zvinoratidza kuti pangangova pari pachikoro β pane mugwagwa uyo une motokari yemhando diki ine ruvara rwesirivha β |
| nzvimbo yedhorobha ine vanhu vakawanda β kwekutanga kuno kune mukomana akapfeka hembe inemitsetse michena nemitema akabereka bhegi β mberi kune chitoro chinotengeswa mapiritsi nepamwe motokari β |
| dhorobha rine midhuri yakawanda ine makamuri akavakwa achienda mudenga β padivi pemidhuri iyi pane migwagwa mikuru iri kufamba motokari dzakawanda dzine ruvara rwakasiyana rwunosanganisira chena β sirivheri neruvara rutema β |
| nzira inofamba nevanhu vetsoka β inofamba ichienda panzvimbo panocherwa mvura β panzvimbo iyi pane vanhu vakawanda vane midziyo yekucheresa mvura β |
| munda wamabhanana unoonekwa uyewo ivhu idema β kunze kunoratidza kuti kwange kwava kuvira kana kuti mvura yainge yoda kunaya β |
| ichi chinonzi chidhambakura β chinowanikwa mumatombo kana mumiti β chinorarama nezvipukanana zvidiki zvinowanikwa muivhu β chinowanzogara β chinowanzofanana nenzvimbo yachinenge chiri zvakafanana nedombo kana muti β |
| pane imwe nzvimbo iri pedyo nemugwagwa pane varume vakagara nokumira panotengeswa matayi β varume ava vanoita sevari kutaura nyaya β umwe wevarume ava akapfeka hovhorosi kozotiwo umwe akamira akapfeka vhesi β |
| munhandare munoratidza kuti ndeye national sports stadium β mune vanhu varimo vakamira vakapfeka nguwani ine ruvara ruchena nerwepeporo nechipika chine ruvara ruchena nerweyero β pane uswa hune ruvara rwegirini uye nhandere ine ruvara rwutsvuku nezvigaro zvekugara kumusoro kwenhandare β |
| panezviringa zuva zvina β paneva neimwechete ichena β nhatu dziridzitema β mbiri dzakabaka dzinototitaridza chiringazuva β dzimwe mbiri dzakadzima β |
| imba imwechete yakavakwa nezvidhina ine musuwo wemarata nemasimbi ebhurauni β chikwangwane chichena β shedhi iriparutivi β |
| vanhukadzi vari munhandare inotambirwa mutambo avo vari kuratidza kuti vari pakudzidzira kutamba mutambo wavanoda kutamba β nechekunze kwenhandare iyi kuri kuratidzawo kuti kune jurawori iro rakakomberedza zvivakwa β |
| shangu imwe chete yekurutivi rwerudji ndeyemhando yetenese β yakavarika inemaburi zvinoratidza kuti ndeye tambo β ineruvara rwepinki muviri wese nezvichena β uye yavakuratidza wo kuti yave kushakara β |
| patsvimbo yekutengesera pane vanhu vakawanda β vamwe vari kufamba vachipesana β nechekumashure kuri kuoneka mudhuri wakavakwa zvemudurikidzwa β |
| nzvimbo irimudhorobha guru reharare umo munezvivakwa zvomudurikidzwa panewo vanhu vakawanda varikupesana β nechokumberi kune chivakwa chihombe chejoina siti β |
| mudhuri wakareba kuenda mudenga β wakavakwa zvemunhurikidzwa β unemafitera mahombe β pamberi pane motikari chena ine mafafitera matema β kumashure kwemota kune vanhu vaviri vari kufamba umwe akapfeka jazi dzvuku β |
| chivakwa chemudurikidzwa chakavakwa zvakayesvonaka β chivakwa ichi chizere mafafitera β pane motikari yakamiswa mujinga mechivakwa ichi β tinoonawo tambo tsvuku dzakasungirwa pamatanda β |
| vanhu vakagara vakateedza zvitoro vachitengesa zvinhu zvavo β pane vakawanda vakapfeka zvima hapuroni zvinoratidza kuti varikutengesa majusi kadhi ekuisisa mari munhare mbozha β uyewo pane mumwe arikufamba pauriri hwakagadzirwa namataera zvakanaka β |
| pamberi pechidziro chinoita sejuraho pane huswa hwakaoma uyezve mugwagwa une marara β nechekumashure kwechidziro ichi kune muti murefu uyezve pedyo nawo pane tambo dzemagetsi |
| nzvimbo inoratidza kuti inzvimbo inokanyirwa zvidhinha nekutengesa zvidhinha β zvidhinha izvi zvakasiyana siyana β tinoona zvihombe nezvidiki uye zvidhina zvacho zvimwewo zvichena zvimwewo zvakatsvuka β panewo masaga anoratidza kuti masaga aya ane zvinhu zvinoshandiswa pakukanya zvidhinha β |
| iyi imba ichena inoratidza kuti yava nemakore akawanda yavakwa uye ine mataira pamusoro semarata β madziro mune bhasikoro nemataira nezvinhu zvinoita kunge huni β |
| nharaunda yapachiteshi chamabhazi β panoonekwa vanhu vanotengesa zvirimwa nezvinhu zvakasiyana siyana β zvinosanganisira madomasi β zvinwiwa nezvimwewo zvakadaro β panoonekwawo matanda anopa chiyedza kana kwava nerima β uye zvikwangwani nema amburera anovharidzira zuva β |
| mundiro mapakurwa chikafu chirikutora moyo mune mupunga muchena uye nyama yakangwa zvakaisvonakisa yakasangana nemadomasi nemakoroti β |
| nzvimbo ine midhuri mitatu β imwe yemudhuri uyu ine makamuri akaturikidzana achienda mudenga β pamhiri penzvimbo pane kasango kane huswa netuzvikwenzi zvakawanda β huswa uhu humwe wakaoma humwe hune mashizha egirinhi β |
| vakoma vebhora vakachonjomara vakabata mabhora avo maviri mumaoko β vakapfeka hanzu dzekutambisa bhora β varikusekerera kuratidza kuti vakagadzirira kupinda mumakwikwi nemufaro β |
| pedyo nemumwe mugwagwa β pane rudzitiro rwewaya rwakaiswa β nechemukati mewaya iyi mune motokari yakamira pane mumwe musha β musha uyu une dzimba dzakavakwa nezvidhina dzakapfirirwa nemarata β |
| vanhu vakawanda vakaungana β vanosanganisira vanhukadzi navanhurume β pane vanhukadzi vakawanda vakagara pasi poitao vanhurume vaviri vakamira nechekumberi kwavo β |
| motikari yemhando yegonyeti β inoshandiswa kutakurisa zvinhu zvinorema β musoro wayo wakandotsvukuruka uye mavhiri matema β pamativi pemavhiri pane ruvara rwesirivheri β |
| musika urikutengeswa zvinhu zvakawanda kwazvo β pane murume akagara pachituro anoratidza kuti ndiye arikutengesa β pane zvekare mukadzi arikuzvipfuurira zvake achienda kwaari kuyenda β pamusika apa parikutengeswa michero yakasiyana -siyana β uye zvihwitsi nezvimwewo zvidyiwa β |
| murutivi memugwagwa munemiti yakasiyana siyana β miti iyi inemashizha aneruva rwegirini koita mumwe muti unemashizha aneruvara rwakacherukira β mugwagwa munedzimotokari dzirikufamba β panemotokari ineruvara rutema β |
| nzvimbo inezvivakwa zvakawanda zvakavakwa pairi zvakasiyana siyana β zvimwe hazvina kupendiwa zvimwe zvakapendiwa β pane miti yakawanda yakadzwarwa panzvimbo iyi β imwe yacho miti yemuparumu iyo inoreba ichienda mudenga β |
| miti dzakawanda dzakakura dzine mashizha mazhinji uye akasvibira neruvara rwegirinhi β parutivi pane mugwagwa β |
| musikana ari kuonekwa ari mumufananidzo miviri yakafanana β akarukwa musoro wake zvinomwisa mvura zvichitevedza musoro wake zvichigadzira madenderedzwa zvimwe zvichiuya nechepamberi penzeve yake β ruoko rwake rwakabata chivhudzi chakasarira chisina kurariswa mumusoro make β ane chipika cherudzi rwegireyi β |
| munhukadzi mutsvuku akatsikitsira β ane musoro une vhudzi jena rakagerwa nechekumativi pakaiswa mutaro β pamusoro pane vhudzi rakakuririra rakabvanyangurwa β |
| munhurume akafuratira anotamba mutambo webhora remakumbo β akapfeka nhumbi yeruvara rutsvuku β akagadzira musoro wake ukapendiwa zveruvara ruchena β kumadivi kuri kuoneka vanhu vakamirizika nedzimba β |
| bhaibhere shoko ramwari rakavhurwa pamwe chete nechinyoreso chiripo β rakavhurwa mubhuku yamapesarema yamakumi maviri nenhatu pavhesi yekutanga inoti β jesu ndiye mufudzi wangu hepana chandingashaiwa β |
| pane imwe nzvimbo mudhorobha pedyo neroboti pane vanhu varipo β mumwe wevanhu ava akagara pasi kwozoita mumwe akamira akapfeka hovhorosi neheti chena β |
| mugwagwa une tara unemotokari dzirikufambamo dzemarudzi akasiyana dzirikuratidza kuti dzirikupesana β mujinga memugwagwa umu muri kuratidza miti mikuru yemijakaranda ine maruva akaita pepuru β pasi pemuti uyu pane bundo rakaoma β necheparutivi pane ruzhira rwunoratidza kuti rwunofamba vanhu vanenge vachifamba zvavo netsoka β |
| miti dzakakura dzina mashizha akawanda uye akasvibira ane ruvara rwegirini β pasi pane ivhu rakaunganidzwa rakakomberedzwa nezvitinha zvidiki β |
| ruoko rwakabata chishongo chinogona kuisirwa zvinhu zvakadai semaruva β chishongo chacho chineruvara ruchena β chinewo tumaruwa twegirini twakaiswa kumusoro β |
| motokari dziri kufamba mumugwagwa β kumativi kwemugwagwa kune dzimba dzakavakwa dzichienda mudenga β |
| ndiro yakapakurirwa mupunga β mupunga uyu une ruvara ruchena kwobva kwaita umwe une ruvara rweyero β nyama irimo inoratidza kuti yakabikwa zvakanaka β yakanyatsotsvukira zvakanaka β |
| nzvimbo inoratidza kuva pakatii pesango β pane muti wemhuwa usina mashizha β kumberi kune miti ine mashizha akasvibira β |
| nyama yakabikwa neunyanzvi yakatsvukira β nyam iyi inoratidza kuti ndeyemombe β parutivi rwenyama iyi pane sadza jena rinoratidz kuti rakabikwa nehupfu hwemabarwe β |
| shangu imwe chete ine ruvara rwebhuruu nemukati mutsvuku β yakasimudzwa rurimi β ine tambo pamusoro β iri pajira rine tumabhokisi twegirini negireyi β narowo jira racho riri pamusoro perimwe jira rine ruvara rwepingi neyero β |
| mufananidzo weshangu yemunhukadzi β shangu iyi ineruvara rwakachenerukira β inosiya makumbo aripanze nechekumashure β asi kumberi kwayo inoita seinombanyidzira makumbo nekuda kwemagadzirirwo ayo β |
| nzvimbo inemiti yakasiyana siyana inosanganisira muti wemumango β muti wemumango una mashizha aneruvara rwegirinhi β koita zvakare maruva aripedyo neruzhowa β maruva aya anamashizha aneruvara rwegirinhi neruvara rwepingi β |
| imba ina mafafitera akawanda nemarata matsvuku yakakomberedzwa nemudhuri une zvidhina zvakawanda zvakanaka β |
| nzvimbo yakagadzirwa zvakanaka ikavakirwa pasi nemabwe kuitira pasachereka uye kuti pave pakashambidzika β miti yakachekererwa zvakanaka uye maruva uye miti yakapfumvutira nemotokari dziri kufamba dzichipfuura β |
| vakamira pakati pemazimota makuru maviri β mamota matsvuku uyewo anekumberi kurikuoneka mafafitera kunogara munhu anenge achityaira β munhu akamira akabata imwe motikari imwechete uye arikusekerera β |
| shangu mbiri dziri pasi dzine ruvara rutema pasi β potiwo pamusoro sirivha β dzakavhurika ndedzemativi ose yekuruboshwe nekurudyi β ndedzemando yamahwashu β |
| mugwagwa wemuguta β kuruboshwe kwemugwagwa kwakwa pakwa dzimotokari dzemhando dzkakasiyana siyana β pane mukadzi akapfeka rokwe dema nehembe chena kumusoro β kuruboshwewo kwakwe kunoonekwa midhuri yemuturikidzaniswa β kurudyi kwkwe kwakwa pakwa dzimwe motokari |
| ndiro imwechete yedhaga ichena β ine zvekudya zvinoti sadza rechibage chichena β murio uye nyama yehuku yakakangwa yakatsvukira β |
| mukomana akapfeka nhumbi dzakafanana kubvira kumusoro zvichidzira kuzasi β akapfeka nhumbi tsvuku dzine mitsetse mitema uyezve akapenda musoro nebhurawuni β akapfeka shangu tema β |
| nzvimbo yegirinhi inoratidza kuti parutivi rwayo pane musha uyo wakaiswa jurawoo rakavakwa nezvitinha nesimbivo β kudivi rekuruboshwe kune sango rine miti yakasiyana -siyana netwunzira twudiki twunofambawo nevanhu vanofamba netsoka β |
| mugwagwa wetara β kumhiri kwawo kune zvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasina β chitoro chiri kumhiri chekutanga chitoro chinotengesa mapiritsi ekrapa zvakasiyana siyana che phamacy β panozoonekwa chitoro chinotengesa hembe che njake njake β |
| chitoro chinotengeswa midziyo yemitambo yakasiyana siyana β minemidziyo yekutamba madhatsi β midziyo yekutamba hoki β neyavanochengeta magedhe β koitawo midziyo yekutamba mutambo wetenisi nekiriketi β |
| muti wakakura uripadivi neruware β midzi dzayo dzikuru dziripachena β pasi pane miti dzidoko uye mashizha akaoma β |
| sango rine miti ine mashizha akatsvukuruka mazhinji acho akatowira pasi β zvinobva zvaitiratidza kuti inguva yechando kana kuti nguva yechirimo sezvo miii iyi ichiratidza kuti yave nenguva isina kunaiwa nemvura uye pasi pawo panoratidza kuti ivhu ririo rakatooma kare β |
| vanhu varikufamba mumugwagwa unowanikwa mudhorobha β pane munhu rume nemunhu kadzi varikufamba vari vaviri vachiratidza kuti vanhu vanozivana β poitawo munhu kadzi arikufamba akatakura bheki rake β nechekurudyi kurikuoneka michero yakarongedzwa nemiriwo zvakaiswa pasi zvakaita matutu kuti vanhu vanoda vauye vatenge β |
| vanhu varikutaridza kuti varikuita zvakasiyana β vamwe varikufamba β vamwe vakagara pasi vakwadza masaga vakaisa zvinhu pamusoro pemasaga aya zvinoratidza kuti zvirikutengeswa zvinosanganisira matomatisi akaunganidzwa akaita zvitutu β vamwe vacho vanema vakanyora pamapepa kuratidza kuti varikutengesa eyataimu β |
| baba vakagara pachigaro vakazendamira pachivezwa chepuranga vachitengesa β kumashure kwavo kune ngoro izere nezvakasiyana zviri kutengeswa zvakare zvinosanganisira mupunga β suga nezvinwiwa zviri pamusoro zvitsvuku nezveorenji β murume ari kurudyi akamira pasi pesumburera ine mavara β |
| nzvimbo inogara vanhu irikuwedzerwa kunaka nekuwakiwa β pane imba yakapera kudhara ineruvara rwe pingi β poita imwe inemudurikidzwa yakamirawo nechekumberi β asi pane majecha akaunganidzwa kuratidza kuti kuvakwa kuri kuenderera mberi β |
| chimiro chinoratidza kuti chikoro β kana kuti midhuri inogona kunge ichishandiswa sechikoro β yakapendwa neruvara rweyero nerutsvuku muzasi β uye pane mihomba inoratidza kuti inosimwa maruva β nemiti mikuru uye mavheranda ekuvanda zuva nemvura β |
| mugwagwa wakagadzirwa nehunyanzvi unoratidza kuti wakawaridzwa zvidhina zvakaforomwa ne simende β mumugwagwa umu mune vanhu vano sanganisira varume nevakadzi varikufamba zvavo β mujinga macho mune vamwe vakatsveta zvinhu pamatafura varikuratidza kuti varikutengesa β vakazvivharira zuva nematende makuru akaita sema amburera β |
| tswanda dzinokwana kuita gumi dzakarukwa zvakanakisa dzichisanganiswa mavara β tswanda idzi dzine mizera yakasiyana β pane dzimwe dzakati kurei β dzimwe dzakakura zvishoma nedzimwe diki β |
| nzvimbo iri kuratidza kuti ine huswa husiri kukura zvakanaka β izvi zvinoratidza kuti panofambirwa nevanhu panotsikwa nguva dzose ndokusaka uswa husiri kukura β uye panenge panofambirwawo zvakare nemhuka β chero dzemusango chero dzepamba β |
| mureza mutsvuku wenyika ya macedonia uine denderedzwa pakati rino ruvara rwegoridhe woita matanda anotenderedza denderedzwa irori aine ruvara zvakare rwegoridhe β |
|
|