musikana arikuita mutambo wejavelini ⁇ arikumhanya akabata museve waarikuda kuposhera ⁇ pane munhuwo arikuwokera uye kumukurudzira ⁇ musikana uyu akapfeka hembe yemanchester united nekabudura tema ⁇ ndiro ine madora inoonekwa uyewo kuseri kune midziyo yakati wandei ⁇ inoratidza kuti inzvimbo yekubikira ⁇ pakati pemugwagwa pane mtokari dziri kufamba ipapo kusanganisira bhazi rine pendi chena negirinhi ⁇ nechokurutivi kwemugwagwa kune muti murefu uyezve kune vanhu varikufamba ikoko ⁇ uyu unoratidza kuti imba yemuturikidzwa yetruworths uye pane vanhu varikupindamo uye pane motokari mbiri dzirikufamba dzichienda ⁇ uyu mugwagwa unemarambi nemuti mumwe chete ⁇ majuraworo rimwe riine musuwo werata uye uri mutema ⁇ mukati maro mune imba ine 'matiles' pamusoro uye nemiti ine mashizha egirini ⁇ ihuku shanu dzakaiswa muchikafutera dzakaurawa dziri kuda kudyiwa ⁇ sango rine huswa hwakaoma ⁇ rine miti ine mashizha akasvibira ⁇ kumberi kwemiti kunoonekwa gomo rine miti yakasvibira zvishomanene ⁇ bhutsu imwechete yakagadzikwa pamusoro panzvimbo ineruvara rwebhuruu ⁇ iyo bhotsu ineruvara rutema netambo dzirikubudikira imwe yakarembera ⁇ kumashure yakanyorwa neruvara rweyero kunzi puma ⁇ pasi parikuoneka mumvuri wemba ⁇ bhodhi rinoshambadza zvinotengeswa muchitoro ⁇ vanhu varikufamba nevamwe vakagara vari kutengesa maonyenzi nemadhiringi pamusoro petafura mugwagwa wakagadzirwa netara ⁇ mujinga mawo kuma tivi ose kune miti mizhinji yakakomberedza ⁇ imwe yemiti iyi yakaoma ⁇ así imwe ine mashizha ane ruvarara rwe girinhi ⁇ uye ine maruva ane ruvara rwe pepuru ⁇ besanwa pakufamba ⁇ vana vechikoro vakapfeka hinifomu uye murume anofamba akatakura mugomo kutaridza kuenda kwaanoenda kundonotengesa kana kundohodha ⁇ makadhibhokisi aripo ane zvimwe zvitengeswa zvakaita sefodya uye pakakomberedzwa nerusvingo rwesimbi ⁇ chingoro chiri kusundwa nemunhu ⁇ chine zvinhu zvirimo machiri zvinosangana nechikadhibhokisi chiri kuoneka ⁇ uyewo pamugwagwa wachiri kufambira pane zvimaburi zviripo zvinoratidza kuti mota kana ikafamba ichimhanya inogona kukuvadza mavhiri ayo ⁇ shangu dzirimuchitoro pachipuranga chepingi ⁇ pazasi paneshangu nhema dzinetambo pamusoro dzichiteverwa neshangu dzegireyi dzinetambo chena pamusoro netumutsara tuneruvara rwebhuruu ⁇ ruchena nerutsvuku dzichiteverwa nedzimwe dzineruvara rutema dzisina tambo kuchipedzesera dzegireyi dzineruvara rusvuku nechepamhuno netambo dzepingi pamusoro ⁇ nzvimbo iyi inzvimbo iripakati peguta reharare ⁇ vanhu vakamira varikuratidza kuti varikurara zvavo nyaya ⁇ varume vaviri nemukadzi mumwe chete ⁇ pane mabhazi uyezve motokari dzakamira mugwagwa umu ⁇ vakadzi vatatu umwe akasenga hari inonzi chirongo mumusoro ine ruvara rwebrown neruvara rwegreen kumusoro ⁇ kuseri kwavo kumuti une mashizha ane ruvara rwegreen ⁇ vakadzi ava umwe akarukwa zvirukwa zvekutenga ⁇ umwe akagidzira bvudzi rake umwe akasunga dhuku ⁇ nzvimbo inowanika muchegutu inodanwa nezita rokuti pazvindege ⁇ pane zvindege zviviri zviripo ⁇ zvindege izvi zvinoratidza kuti zvasakara ⁇ zvine ruvara ruchena neruva rwebhurawuni uye necheparutivi pane bhazi ririkufamba rine ruvara rweyero ⁇ sofa reruvara rupfumbu rakasvibira rinoratidza kuti nderechizvinozvino sofa iri ⁇ remumba muneuriri huchena hwakanaka kwazvo ⁇ uye rakareba zvekuti rakabatanidzwa ⁇ rinoita semasofa maviri akabatanidzwa ⁇ shiri mbiri dzakamhara padavi remuti ⁇ dzine maditi machena uye miromo mirefu ⁇ imwe yacho yakavatirira zvinoratidza kuti dziri kufara zvadzo ⁇ pamwewo dzingangodaro dziri murudo ⁇ computer ine ruvara rutema uye ine mavara akanyorwa neruvara ruchena nerutsvuku ⁇ yakatsvetwa mukadhibhokisi rine ruvara rwekaki uye mune tambo nezvimwe zvinoiswa pacomputer zvine ruvara rutema ⁇ mabhara mazhinji akagadzirwa nerata nesimbi ane ruvara rwakasiyana siyana rwunoti bhuruu ⁇ girini uye nebhurauni ⁇ kurutivi kwakamira motokari ⁇ pane nzvimbo ine marara achitevedzeka ⁇ marara aya anosanganisira mapepa nezvimwe zvinhu zvakasakara ⁇ pedyo nemapepa aya pane tsanga dziripo kwozoti huswa hunyoro nehumwe hwakaoma ⁇ pane mugwagwa unoratidza kuti unofambira motokari ⁇ mugwagwa uyu uri pakati pemiti uyezve padyo nomugwagwa uyu pane zidombo rakazvimiririra ⁇ kwozoitawo marara ari pedyo nomugwagwa uyu ⁇ tsangadzi yakakura inoratidza kuti imwe yachona yakuto tumbuka ⁇ ine ruvara rwegirini koita imwe ine ruvara rwakachenerukira ⁇ neche parutivi panooneka ivhu rine ruvara rutema namatombo ⁇ mumvuri unoratidza kuti pane munhu akamira uyezve kumativi kune motokari dzakapakwa ⁇ pamberi pane chitoro chiripo kana kuti chivakwa chiripo asi zvimwe zvese zvakavharwa kusara kwezviviri zvakavhurwa mukova ⁇ zviri kuratidza kuti uyezve ipapo ndopanokwirirwa bhazi nevanhu kana vachinge vabva kutenga zvinhu ⁇ nzvimbo iyi inoratidza kuti inobatsira chose vanhu vemunharawunda ⁇ shiri mbiri dzirikubhuruka dziri mudenga pane imwe yakazvura mapapiro ayo chaizvo koita imwe yakamadembedza pasi ⁇ dziri mudenga mumakore chaimo nekuti denga ririkuoneka ruvara rwaro rwebhuruu uyewo shiri dzakanaka uyewo dzinovaraidza kuona ⁇ maruva akamira akatsinhana zvekutoita sechikapeti ⁇ aneruvara rwegirini rwakanaka zvikuru ⁇ uyewo pamusoro pawo pane rimwe ruva rakadongorera rakatumbuka zvitsvuku ⁇ kunerumwe rutivi kune chinenge sora chakatumbukawo zvakanaka ⁇ iyi ishangu ine mavara matatu akasiyana inopfekwa nevarume nevakadzi ⁇ ine ruvara rwebhuruu rwakadzikira neruvara rwakati bhaa rwebhuruu nepasi pachena ⁇ bhazi re gold class jena ⁇ rine ruwara ruchena muviri wese nemitaro mitatu mutsvuku we girini nebhuruu ⁇ rikufamba mutara ririkuratidza kuti rakananga ku guta reharare ⁇ mudivi macho munoonekao muine zvidzimba munoonekao muine vanhu ⁇ pane matombo akawanda akatsimbirirana ⁇ matombo aya ari pedyo nekamwe kanzira kanoita sekanofamba vanhu ⁇ pedyo nekanzira aka pane tumiti nehuswa ⁇ pane mugwagwa unoita seuri kufamba bhazi ⁇ pane marara ari pedyo ⁇ marara aya ari pedyo zvakare nematombo ⁇ nechekure kune vanhu varikubudikira uye kune tangi remvura ririko ⁇ vanhu vari kuratidza vari mukati menhandare iyo inoitwawo makwikwi ekumhanya ⁇ izvi zviri kuonekawo nemitaro inofanira kunge iri pane munhu ari kumhanya ⁇ vanhu ava vakapfekawo nhumbi dzinoita kuti vange vachigona kumhanya zvakanaka ⁇ imba isati yava nedenga inotaridza kuti ichiri kuvakwa ⁇ jecha richiri rakaunganidzwa rakakomberedzwa nezvitinha kuti risapararire kwose ⁇ pane mutaro wemagetsi unoonekwa unopfuura nepamusoro peimba ⁇ zvivakwa zvakasiyana siyana zvakakomberedzwa namajuraho ⁇ pamberi pezvivakwa izvi pano ratidzawo kuti pane mugwagwa unofamba dzimotokari dzichitakura vanhu kuenda kwakasiyana siyana ⁇ zvakare panewo miti uye dzimwe motokari dzakamira nevanhu varikufambawo vachienda kwakasiyana ⁇ miti yegirinhi iri parutivi pemvura izvo zvinoita kuti igare ine hunyoro ⁇ mukati munenge mune zvinogara mumvura zvakasiyana zvakaita sehove nyoka ⁇ muchini muchena uri pasi wakatsvetwa pane ruvara rutema une tambo chena ⁇ pane pepa riripo rine ruvara ruchena nemavara matema ⁇ pane simbi dzakapfurirwa mapepa repurasitiki ⁇ dzimba dzakanaka dzakavakwa nemutoo wakada kufanana nezvidhinha zvakanaka zvisina kupurasitiwa kana kupendwa ⁇ paruvazhe pedzimba idzi pane bundo shanje inoratidza kuti hainyatsodiridzwa sezvo ichiratidza kuti haina utano ⁇ midziyo inoshandiswa mumba yekubikira yakarongedzwa kuti itengeswe ⁇ pane chipunu chine ruvara rwesirivha chakamira chirikumberi kuseri kwacho kune mapanga akawanda anezvipakato zvemapuranga ⁇ uyewo mamwe ane ruvara rutsvuku mamwe ane ruvara rwebhuru mamwewo ane ruvara rwegirini ⁇ nzvimbo inogona kuwanikwa muguta ine mugwagwa wakaiswa tara uyewo pane motokari dzakati wandei ⁇ mugwagwa wacho wakaiswa mwenje uye une zvikwangwari zvevanhu vanoshambadza zvinhu ⁇ kumberi kurikuonekwawo dzimba ⁇ kunewo miti yakareba irikutarisirwa ⁇ dendere reshiri rakavakirwa mumuti womugwavha una mashizha mashoma shoma ⁇ musango mune muti wemupangara muduku une minzwa dzakapinza uye twumashizha twudiki twegirini ⁇ pasi pane huswa hwakaoma ⁇ furasiki yakakura kwazvo ine rudzi rutsvuku nemuvharo mutema iri kutengeswa muchitoro ⁇ maruva akaiswa mumagaba aneruvara rwegirinhi nemadodzi-madodzi machena ⁇ maruva aya akawanda chaizvo uye arimumagaba aneruvara rwutema ⁇ mamwewo arimumagaba aneruvara rwunonjenjemera ⁇ zvuma zvemuhuro zvakapfekedzwa pachidhori kuitira kuratidza vatengi ⁇ zveruvara zvesirivha zvinopfekwa nevanhurume kana vanhukadzi kuri kuda kutaridza mucheno wawo ⁇ varume nevakomana vanoimba vamwe vanoridza hosho vamwe vanoridza ngoma ⁇ varidzi vengoma vakagara pazvigaro zvitatu vachiridza ngoma vakapfeka hembe dzine ruvara rutsvuku ⁇ bhazi riri kufamba mumugwagwa ⁇ bhazi iri rinoratidza kuti nderecity link ⁇ rine ruvara ruchena ⁇ nechekumusoro rine mahwindo ane ruvara rutema ⁇ kumberi kwaro rine ruvara rutema neruvara ruchena ⁇ nzvimbo iri kuonekawo iine miti pamwechete nesora ⁇ kozoitawo mapango akachererwa ayo akasungirirwa tambo dzinodarika nemagetsi ⁇ tambo idzi dzinenge dzichienda kudzimba dzevanhu muguta kana kune dzimwewo nzvimbo kunoda magetsi ⁇ pombi dzinofambisa mvura ⁇ dhuramhi remvura riripamusoro pezvidhina ⁇ miti inemashizha eruvara rwegirinhi ⁇ fenzi yakakomberedza midhuri ⁇ mugwagwa unetara ⁇ mumugwagwa umu mune motokari zhinji dzemhando dzakasiyana dzirikufambamo ⁇ kune rumwe rutivi kune murume arikuratidza kuti arikuita minana sezvo achifamba pamusoro pataira ⁇ nechekumberi kuri kubuda midhuri mikuru yakanaka chose ⁇ dzimba zhinji dzimwe dzirikuratidza kuti dziri kuvakwa sezvo pane imwe inoratidza kuti ihuru isati yave nemikova nemafafitera uye haisati yarurwa denga ⁇ dzimwe dzinoratidza kuti zvimukuku zvakavakwa nemapuranga zvakapfirirwa nemazen'e ⁇ murume ari kufamba mudhorobha ⁇ paanofamba panoratidza kuti pane madhaka ⁇ ari kufamba achiita zvekudanhuka ⁇ wakabereka bheke kumusana ⁇ mberi kwake kune vakabereka vana vamwe vakabereka mabheke ⁇ vamwe vari kutaridza kuti vari kutengesa zvinwiwa ⁇ mudzimai wechidiki ari kuyambuka mugwagwa ⁇ kumusoro wakapfeka hembe chena ⁇ wakapendekera bheki dzvuku ridiki ⁇ kuzasi akapfeka hembe ine mavara machena nematema ⁇ kuma kumbo akapfeka gogo ⁇ mota huru irikufamba munzira ⁇ ine ruvara rweyero uye yakakura zvikuru ⁇ ine kumasure kwekuti kunogona kusimudzika kuchirasa zvinhu kodzokera ⁇ zvinoita kuti inzi tipper ⁇ uyezve ine mavhiri akawanda zvikuru anosvika kugumi nemana ⁇ mavhiri aya makuru uye ane pakati pesirivheri ⁇ imota yakanaka inobatsira pakuita mabasa ekututunura zvinhu zvingade kutakurwa zvinorema ⁇ nzvimbo ine dzimba dzakanatsovakwa dzakaita mudhandanda ⁇ mudhuri uyu wakavakwa wakareba kubvapaiswa magoni panze akaita mudhandanda ⁇ magoni aya aneruvara rwakachenerukira ⁇ ruwoko rwemunhu rwakabata tochi imwechete itema kumusoro kwayo ndekwe bhurawuni uye yakabaka ⁇ chibage chinyoro chakatsvetwa pasi ⁇ chinooneka kuti chinyoro nekuda kwemakanda aripasaidhi aneruvara rwegirinhi ⁇ tsanga dzachona dzineruvara rwuchena ⁇ pane tumatambo-tambo tunowanikwa pachibage turipo tuneruvara rwuchena zvakare ⁇ michero mizhinji yerudzi rwepashoni ⁇ ine ruvara runoyevedza rwegoridhe uye mimwe mishoma une ruvara rwakatsvukira ⁇ umwe chete wakagurwa nepakati zvakaisvonaka uchiratidza mhodzi mukati nhema uye munyepfu weruvara rwegoridhe ⁇ muchero wemauyu uri mukati mendiro yegirazi ⁇ muchero uyu une ruvara ruchena neshinda shinda dzine ruvara rutsvuku rwakachenerukira uyezve pane mukombe uripo wakazara chimwiwa chemuchero uyu negirazi rimwe chete zvakare ⁇ mugwagwa unoratidza kuti une tara uye unofamba motokari zhinji ⁇ parutivi rwemugwagwa uyu pane zvimukuku zvakavakwa ipapo nezvinhu zvakatsvetwa ⁇ panoratidza kuti panogadzirwa mipfuku yemapuranga inotengeswa sezvo imwe yacho isati yatopedza kugadzirwa ⁇ musoro mukuru wegonyeti wakamiswa pedyo nemba ⁇ une musoro muchena woitawo mavhiri makuru matema akavharwa nezvinhu pamusoro ⁇ uyewo une pamwe chena parikuoneka ⁇ wakamiswa pedyo nemba yakati kurei uyewo kurutivi kune karuzhowa kariko kapfupi ⁇ murume arikufamba ari mujinga memudhuri pakati pedhorobha ⁇ murume uyu akapfeka nhumbi yokumusoro ineruvara rwe bhuruu nechikabudura chineruvara rutema ⁇ akabata zvidhori zvitatu zvihombe zvaari kutengesa ⁇ zvidhori izvi zvine ruvara rwe pingi ⁇ bhuruu uye ruvara rutsvuku ⁇ nzvimbo ine zvivakwa zvomudhadha nezvimwe zvomudurikidzwa zvinoratidza kuti pangangova pari pachikoro ⁇ pane mugwagwa uyo une motokari yemhando diki ine ruvara rwesirivha ⁇ nzvimbo yedhorobha ine vanhu vakawanda ⁇ kwekutanga kuno kune mukomana akapfeka hembe inemitsetse michena nemitema akabereka bhegi ⁇ mberi kune chitoro chinotengeswa mapiritsi nepamwe motokari ⁇ dhorobha rine midhuri yakawanda ine makamuri akavakwa achienda mudenga ⁇ padivi pemidhuri iyi pane migwagwa mikuru iri kufamba motokari dzakawanda dzine ruvara rwakasiyana rwunosanganisira chena ⁇ sirivheri neruvara rutema ⁇ nzira inofamba nevanhu vetsoka ⁇ inofamba ichienda panzvimbo panocherwa mvura ⁇ panzvimbo iyi pane vanhu vakawanda vane midziyo yekucheresa mvura ⁇ munda wamabhanana unoonekwa uyewo ivhu idema ⁇ kunze kunoratidza kuti kwange kwava kuvira kana kuti mvura yainge yoda kunaya ⁇ ichi chinonzi chidhambakura ⁇ chinowanikwa mumatombo kana mumiti ⁇ chinorarama nezvipukanana zvidiki zvinowanikwa muivhu ⁇ chinowanzogara ⁇ chinowanzofanana nenzvimbo yachinenge chiri zvakafanana nedombo kana muti ⁇ pane imwe nzvimbo iri pedyo nemugwagwa pane varume vakagara nokumira panotengeswa matayi ⁇ varume ava vanoita sevari kutaura nyaya ⁇ umwe wevarume ava akapfeka hovhorosi kozotiwo umwe akamira akapfeka vhesi ⁇ munhandare munoratidza kuti ndeye national sports stadium ⁇ mune vanhu varimo vakamira vakapfeka nguwani ine ruvara ruchena nerwepeporo nechipika chine ruvara ruchena nerweyero ⁇ pane uswa hune ruvara rwegirini uye nhandere ine ruvara rwutsvuku nezvigaro zvekugara kumusoro kwenhandare ⁇ panezviringa zuva zvina ⁇ paneva neimwechete ichena ⁇ nhatu dziridzitema ⁇ mbiri dzakabaka dzinototitaridza chiringazuva ⁇ dzimwe mbiri dzakadzima ⁇ imba imwechete yakavakwa nezvidhina ine musuwo wemarata nemasimbi ebhurauni ⁇ chikwangwane chichena ⁇ shedhi iriparutivi ⁇ vanhukadzi vari munhandare inotambirwa mutambo avo vari kuratidza kuti vari pakudzidzira kutamba mutambo wavanoda kutamba ⁇ nechekunze kwenhandare iyi kuri kuratidzawo kuti kune jurawori iro rakakomberedza zvivakwa ⁇ shangu imwe chete yekurutivi rwerudji ndeyemhando yetenese ⁇ yakavarika inemaburi zvinoratidza kuti ndeye tambo ⁇ ineruvara rwepinki muviri wese nezvichena ⁇ uye yavakuratidza wo kuti yave kushakara ⁇ patsvimbo yekutengesera pane vanhu vakawanda ⁇ vamwe vari kufamba vachipesana ⁇ nechekumashure kuri kuoneka mudhuri wakavakwa zvemudurikidzwa ⁇ nzvimbo irimudhorobha guru reharare umo munezvivakwa zvomudurikidzwa panewo vanhu vakawanda varikupesana ⁇ nechokumberi kune chivakwa chihombe chejoina siti ⁇ mudhuri wakareba kuenda mudenga ⁇ wakavakwa zvemunhurikidzwa ⁇ unemafitera mahombe ⁇ pamberi pane motikari chena ine mafafitera matema ⁇ kumashure kwemota kune vanhu vaviri vari kufamba umwe akapfeka jazi dzvuku ⁇ chivakwa chemudurikidzwa chakavakwa zvakayesvonaka ⁇ chivakwa ichi chizere mafafitera ⁇ pane motikari yakamiswa mujinga mechivakwa ichi ⁇ tinoonawo tambo tsvuku dzakasungirwa pamatanda ⁇ vanhu vakagara vakateedza zvitoro vachitengesa zvinhu zvavo ⁇ pane vakawanda vakapfeka zvima hapuroni zvinoratidza kuti varikutengesa majusi kadhi ekuisisa mari munhare mbozha ⁇ uyewo pane mumwe arikufamba pauriri hwakagadzirwa namataera zvakanaka ⁇ pamberi pechidziro chinoita sejuraho pane huswa hwakaoma uyezve mugwagwa une marara ⁇ nechekumashure kwechidziro ichi kune muti murefu uyezve pedyo nawo pane tambo dzemagetsi nzvimbo inoratidza kuti inzvimbo inokanyirwa zvidhinha nekutengesa zvidhinha ⁇ zvidhinha izvi zvakasiyana siyana ⁇ tinoona zvihombe nezvidiki uye zvidhina zvacho zvimwewo zvichena zvimwewo zvakatsvuka ⁇ panewo masaga anoratidza kuti masaga aya ane zvinhu zvinoshandiswa pakukanya zvidhinha ⁇ iyi imba ichena inoratidza kuti yava nemakore akawanda yavakwa uye ine mataira pamusoro semarata ⁇ madziro mune bhasikoro nemataira nezvinhu zvinoita kunge huni ⁇ nharaunda yapachiteshi chamabhazi ⁇ panoonekwa vanhu vanotengesa zvirimwa nezvinhu zvakasiyana siyana ⁇ zvinosanganisira madomasi ⁇ zvinwiwa nezvimwewo zvakadaro ⁇ panoonekwawo matanda anopa chiyedza kana kwava nerima ⁇ uye zvikwangwani nema amburera anovharidzira zuva ⁇ mundiro mapakurwa chikafu chirikutora moyo mune mupunga muchena uye nyama yakangwa zvakaisvonakisa yakasangana nemadomasi nemakoroti ⁇ nzvimbo ine midhuri mitatu ⁇ imwe yemudhuri uyu ine makamuri akaturikidzana achienda mudenga ⁇ pamhiri penzvimbo pane kasango kane huswa netuzvikwenzi zvakawanda ⁇ huswa uhu humwe wakaoma humwe hune mashizha egirinhi ⁇ vakoma vebhora vakachonjomara vakabata mabhora avo maviri mumaoko ⁇ vakapfeka hanzu dzekutambisa bhora ⁇ varikusekerera kuratidza kuti vakagadzirira kupinda mumakwikwi nemufaro ⁇ pedyo nemumwe mugwagwa ⁇ pane rudzitiro rwewaya rwakaiswa ⁇ nechemukati mewaya iyi mune motokari yakamira pane mumwe musha ⁇ musha uyu une dzimba dzakavakwa nezvidhina dzakapfirirwa nemarata ⁇ vanhu vakawanda vakaungana ⁇ vanosanganisira vanhukadzi navanhurume ⁇ pane vanhukadzi vakawanda vakagara pasi poitao vanhurume vaviri vakamira nechekumberi kwavo ⁇ motikari yemhando yegonyeti ⁇ inoshandiswa kutakurisa zvinhu zvinorema ⁇ musoro wayo wakandotsvukuruka uye mavhiri matema ⁇ pamativi pemavhiri pane ruvara rwesirivheri ⁇ musika urikutengeswa zvinhu zvakawanda kwazvo ⁇ pane murume akagara pachituro anoratidza kuti ndiye arikutengesa ⁇ pane zvekare mukadzi arikuzvipfuurira zvake achienda kwaari kuyenda ⁇ pamusika apa parikutengeswa michero yakasiyana -siyana ⁇ uye zvihwitsi nezvimwewo zvidyiwa ⁇ murutivi memugwagwa munemiti yakasiyana siyana ⁇ miti iyi inemashizha aneruva rwegirini koita mumwe muti unemashizha aneruvara rwakacherukira ⁇ mugwagwa munedzimotokari dzirikufamba ⁇ panemotokari ineruvara rutema ⁇ nzvimbo inezvivakwa zvakawanda zvakavakwa pairi zvakasiyana siyana ⁇ zvimwe hazvina kupendiwa zvimwe zvakapendiwa ⁇ pane miti yakawanda yakadzwarwa panzvimbo iyi ⁇ imwe yacho miti yemuparumu iyo inoreba ichienda mudenga ⁇ miti dzakawanda dzakakura dzine mashizha mazhinji uye akasvibira neruvara rwegirinhi ⁇ parutivi pane mugwagwa ⁇ musikana ari kuonekwa ari mumufananidzo miviri yakafanana ⁇ akarukwa musoro wake zvinomwisa mvura zvichitevedza musoro wake zvichigadzira madenderedzwa zvimwe zvichiuya nechepamberi penzeve yake ⁇ ruoko rwake rwakabata chivhudzi chakasarira chisina kurariswa mumusoro make ⁇ ane chipika cherudzi rwegireyi ⁇ munhukadzi mutsvuku akatsikitsira ⁇ ane musoro une vhudzi jena rakagerwa nechekumativi pakaiswa mutaro ⁇ pamusoro pane vhudzi rakakuririra rakabvanyangurwa ⁇ munhurume akafuratira anotamba mutambo webhora remakumbo ⁇ akapfeka nhumbi yeruvara rutsvuku ⁇ akagadzira musoro wake ukapendiwa zveruvara ruchena ⁇ kumadivi kuri kuoneka vanhu vakamirizika nedzimba ⁇ bhaibhere shoko ramwari rakavhurwa pamwe chete nechinyoreso chiripo ⁇ rakavhurwa mubhuku yamapesarema yamakumi maviri nenhatu pavhesi yekutanga inoti ⁇ jesu ndiye mufudzi wangu hepana chandingashaiwa ⁇ pane imwe nzvimbo mudhorobha pedyo neroboti pane vanhu varipo ⁇ mumwe wevanhu ava akagara pasi kwozoita mumwe akamira akapfeka hovhorosi neheti chena ⁇ mugwagwa une tara unemotokari dzirikufambamo dzemarudzi akasiyana dzirikuratidza kuti dzirikupesana ⁇ mujinga memugwagwa umu muri kuratidza miti mikuru yemijakaranda ine maruva akaita pepuru ⁇ pasi pemuti uyu pane bundo rakaoma ⁇ necheparutivi pane ruzhira rwunoratidza kuti rwunofamba vanhu vanenge vachifamba zvavo netsoka ⁇ miti dzakakura dzina mashizha akawanda uye akasvibira ane ruvara rwegirini ⁇ pasi pane ivhu rakaunganidzwa rakakomberedzwa nezvitinha zvidiki ⁇ ruoko rwakabata chishongo chinogona kuisirwa zvinhu zvakadai semaruva ⁇ chishongo chacho chineruvara ruchena ⁇ chinewo tumaruwa twegirini twakaiswa kumusoro ⁇ motokari dziri kufamba mumugwagwa ⁇ kumativi kwemugwagwa kune dzimba dzakavakwa dzichienda mudenga ⁇ ndiro yakapakurirwa mupunga ⁇ mupunga uyu une ruvara ruchena kwobva kwaita umwe une ruvara rweyero ⁇ nyama irimo inoratidza kuti yakabikwa zvakanaka ⁇ yakanyatsotsvukira zvakanaka ⁇ nzvimbo inoratidza kuva pakatii pesango ⁇ pane muti wemhuwa usina mashizha ⁇ kumberi kune miti ine mashizha akasvibira ⁇ nyama yakabikwa neunyanzvi yakatsvukira ⁇ nyam iyi inoratidza kuti ndeyemombe ⁇ parutivi rwenyama iyi pane sadza jena rinoratidz kuti rakabikwa nehupfu hwemabarwe ⁇ shangu imwe chete ine ruvara rwebhuruu nemukati mutsvuku ⁇ yakasimudzwa rurimi ⁇ ine tambo pamusoro ⁇ iri pajira rine tumabhokisi twegirini negireyi ⁇ narowo jira racho riri pamusoro perimwe jira rine ruvara rwepingi neyero ⁇ mufananidzo weshangu yemunhukadzi ⁇ shangu iyi ineruvara rwakachenerukira ⁇ inosiya makumbo aripanze nechekumashure ⁇ asi kumberi kwayo inoita seinombanyidzira makumbo nekuda kwemagadzirirwo ayo ⁇ nzvimbo inemiti yakasiyana siyana inosanganisira muti wemumango ⁇ muti wemumango una mashizha aneruvara rwegirinhi ⁇ koita zvakare maruva aripedyo neruzhowa ⁇ maruva aya anamashizha aneruvara rwegirinhi neruvara rwepingi ⁇ imba ina mafafitera akawanda nemarata matsvuku yakakomberedzwa nemudhuri une zvidhina zvakawanda zvakanaka ⁇ nzvimbo yakagadzirwa zvakanaka ikavakirwa pasi nemabwe kuitira pasachereka uye kuti pave pakashambidzika ⁇ miti yakachekererwa zvakanaka uye maruva uye miti yakapfumvutira nemotokari dziri kufamba dzichipfuura ⁇ vakamira pakati pemazimota makuru maviri ⁇ mamota matsvuku uyewo anekumberi kurikuoneka mafafitera kunogara munhu anenge achityaira ⁇ munhu akamira akabata imwe motikari imwechete uye arikusekerera ⁇ shangu mbiri dziri pasi dzine ruvara rutema pasi ⁇ potiwo pamusoro sirivha ⁇ dzakavhurika ndedzemativi ose yekuruboshwe nekurudyi ⁇ ndedzemando yamahwashu ⁇ mugwagwa wemuguta ⁇ kuruboshwe kwemugwagwa kwakwa pakwa dzimotokari dzemhando dzkakasiyana siyana ⁇ pane mukadzi akapfeka rokwe dema nehembe chena kumusoro ⁇ kuruboshwewo kwakwe kunoonekwa midhuri yemuturikidzaniswa ⁇ kurudyi kwkwe kwakwa pakwa dzimwe motokari ndiro imwechete yedhaga ichena ⁇ ine zvekudya zvinoti sadza rechibage chichena ⁇ murio uye nyama yehuku yakakangwa yakatsvukira ⁇ mukomana akapfeka nhumbi dzakafanana kubvira kumusoro zvichidzira kuzasi ⁇ akapfeka nhumbi tsvuku dzine mitsetse mitema uyezve akapenda musoro nebhurawuni ⁇ akapfeka shangu tema ⁇ nzvimbo yegirinhi inoratidza kuti parutivi rwayo pane musha uyo wakaiswa jurawoo rakavakwa nezvitinha nesimbivo ⁇ kudivi rekuruboshwe kune sango rine miti yakasiyana -siyana netwunzira twudiki twunofambawo nevanhu vanofamba netsoka ⁇ mugwagwa wetara ⁇ kumhiri kwawo kune zvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasina ⁇ chitoro chiri kumhiri chekutanga chitoro chinotengesa mapiritsi ekrapa zvakasiyana siyana che phamacy ⁇ panozoonekwa chitoro chinotengesa hembe che njake njake ⁇ chitoro chinotengeswa midziyo yemitambo yakasiyana siyana ⁇ minemidziyo yekutamba madhatsi ⁇ midziyo yekutamba hoki ⁇ neyavanochengeta magedhe ⁇ koitawo midziyo yekutamba mutambo wetenisi nekiriketi ⁇ muti wakakura uripadivi neruware ⁇ midzi dzayo dzikuru dziripachena ⁇ pasi pane miti dzidoko uye mashizha akaoma ⁇ sango rine miti ine mashizha akatsvukuruka mazhinji acho akatowira pasi ⁇ zvinobva zvaitiratidza kuti inguva yechando kana kuti nguva yechirimo sezvo miii iyi ichiratidza kuti yave nenguva isina kunaiwa nemvura uye pasi pawo panoratidza kuti ivhu ririo rakatooma kare ⁇ vanhu varikufamba mumugwagwa unowanikwa mudhorobha ⁇ pane munhu rume nemunhu kadzi varikufamba vari vaviri vachiratidza kuti vanhu vanozivana ⁇ poitawo munhu kadzi arikufamba akatakura bheki rake ⁇ nechekurudyi kurikuoneka michero yakarongedzwa nemiriwo zvakaiswa pasi zvakaita matutu kuti vanhu vanoda vauye vatenge ⁇ vanhu varikutaridza kuti varikuita zvakasiyana ⁇ vamwe varikufamba ⁇ vamwe vakagara pasi vakwadza masaga vakaisa zvinhu pamusoro pemasaga aya zvinoratidza kuti zvirikutengeswa zvinosanganisira matomatisi akaunganidzwa akaita zvitutu ⁇ vamwe vacho vanema vakanyora pamapepa kuratidza kuti varikutengesa eyataimu ⁇ baba vakagara pachigaro vakazendamira pachivezwa chepuranga vachitengesa ⁇ kumashure kwavo kune ngoro izere nezvakasiyana zviri kutengeswa zvakare zvinosanganisira mupunga ⁇ suga nezvinwiwa zviri pamusoro zvitsvuku nezveorenji ⁇ murume ari kurudyi akamira pasi pesumburera ine mavara ⁇ nzvimbo inogara vanhu irikuwedzerwa kunaka nekuwakiwa ⁇ pane imba yakapera kudhara ineruvara rwe pingi ⁇ poita imwe inemudurikidzwa yakamirawo nechekumberi ⁇ asi pane majecha akaunganidzwa kuratidza kuti kuvakwa kuri kuenderera mberi ⁇ chimiro chinoratidza kuti chikoro ⁇ kana kuti midhuri inogona kunge ichishandiswa sechikoro ⁇ yakapendwa neruvara rweyero nerutsvuku muzasi ⁇ uye pane mihomba inoratidza kuti inosimwa maruva ⁇ nemiti mikuru uye mavheranda ekuvanda zuva nemvura ⁇ mugwagwa wakagadzirwa nehunyanzvi unoratidza kuti wakawaridzwa zvidhina zvakaforomwa ne simende ⁇ mumugwagwa umu mune vanhu vano sanganisira varume nevakadzi varikufamba zvavo ⁇ mujinga macho mune vamwe vakatsveta zvinhu pamatafura varikuratidza kuti varikutengesa ⁇ vakazvivharira zuva nematende makuru akaita sema amburera ⁇ tswanda dzinokwana kuita gumi dzakarukwa zvakanakisa dzichisanganiswa mavara ⁇ tswanda idzi dzine mizera yakasiyana ⁇ pane dzimwe dzakati kurei ⁇ dzimwe dzakakura zvishoma nedzimwe diki ⁇ nzvimbo iri kuratidza kuti ine huswa husiri kukura zvakanaka ⁇ izvi zvinoratidza kuti panofambirwa nevanhu panotsikwa nguva dzose ndokusaka uswa husiri kukura ⁇ uye panenge panofambirwawo zvakare nemhuka ⁇ chero dzemusango chero dzepamba ⁇ mureza mutsvuku wenyika ya macedonia uine denderedzwa pakati rino ruvara rwegoridhe woita matanda anotenderedza denderedzwa irori aine ruvara zvakare rwegoridhe ⁇